Psalms 23

Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
2Anondivatisa pamafuro manyoro,
anondisesedza pamvura inozorodza,
3anoponesa mweya wangu.
Anondifambisa panzira dzokururama
nokuda kwezita rake.
4Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,
handingatyi zvakaipa,
nokuti imi muneni;
tsvimbo yenyu nomudonzvo
wenyu zvinondinyaradza.

5Munondigadzirira tafura
pamberi pavavengi vangu.
Munozodza musoro wangu namafuta;
mukombe wangu unopfachukira.
6Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC